Baba, ndiri mwana wenyu
Baba, ndakatadza,
Ndinochema mberi kwenyu,
Baba, ndiregerei.
Zvitadzo zvangu zvizhinji,
Hazvingaverengwi;
Ndinozviisa kwamuri,
Baba, ndiregerei.
Mirao yenyu ndakatyora,
Imi, ndakuzvidzai;
Mununuri ndakurasai,
Baba, ndiregerei.
Ndakatadza nokureva,
Ndatadza kufunga,
Ndakatadza namabasa;
Baba, ndiregerei.
Muri Mwari; mune ngoni,
Dzisino kupera;
Naizvozvo ndinochema,
Baba, ndiregerei.