M'ponesi ndakatsidza
Kumushandira basa
Ivai neni padyo
Mukuru ndimi Tenzi
Handityi basa renyu
Nekuti ndakotseka
O Tenzi wevaTenzi
Nditungamirireyi
Ivayi padyo neni,
Zvitadzo zvava padyo,
Ndatanderedzwa ndizvo
Munzvimbo dzese dzese;
Zviedzo zvinouya
Mashure nepamberi.
O Jesu, ndipfuweyi,
Ndivevo padyo nemi.
Ndimunzwe muri padyo
Mupfumvu dzeupenyu,
Muvevo padyo neni,
Mundibatsire Tenzi;
Neizwi renyu chete,
Taurayi ndisimbiswe,
Itayi kuda kwenyu,
Chengetayi mwoyo wangu.
M'ponesi, makatsidza
Kuvatambira vese
Vanoda Mwari Baba,
Nekumuteerera;
M'ponesi, ndakatsidza
Kumushandira chese,
O Tenzi ndibatsirei,
Kusimbiswa nemi.