Uya mweya wangu
Kuna Jesu Mambo
Ukumbire izvo zviro
Zvinokunakira kwazvo
Anodisa kupa
Tenzi, ndinouya
Kukumbira nyasha,
Handiiti zvakanaka,
Ndinobvuma zvinyangadzo,
Tenzi, ndipei nyasha.
Tenzi, ndinouya
Kutaura nemi,
Ndisunungureyi, Baba,
Ndipeiwo mwoyo m'chena,
Kuti ndimukudze.
Tenzi, ndinouya,
Muri ruzororo,
Mwoyo wangu chengetayi,
Itai dendamaro renyu,
Ivai mambo wangu.
Tenzi, Jesu Mambo,
Ndakabatwa nemi,
Ndinofara zvirokwazvo,
Nditungamireyi, Tenzi,
Muupenyu hwangu.
Ndiudzeyi, Tenzi,
Basa rangu nhasi,
Ndisimbiswe nguva dzese,
Ndichigara zvakanaka
Nekumushandira