Jesu wakambova mwana Lyrics – Methodist Shona Hymn 269

Jesu wakambova mwana
Kufanana nesu,
waichibatsira baba
Naamai vake.

Jesu wakambova mwana
wakadzidziswawo,
wakadzidza kuverenga
Nokunyora sesu.

Jesu wakambova mwana
waida kutamba,
waitamba nokufara
Neshamwari dzake.

Ngatigare zvakanaka
Kufanana naye,
Timufadze pakutamba
Napabasa redu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *