United Methodist Shona Hymn 193

Zvingagova sei kuti
Ndisunungurwe naIshe
Ndiye wakafira ini
Ndakamukonzera kufa
Chishamiso chakadini
Mwari makafira ini

Mashura! Mwari kufa?
Mazano anoshamisa!
Ngirozi dzokundikana
Kunzwisisa rudo rwake.
Tsitsi dzake! Ngatikudze,
Ngirozi dzoshamisika

Wakasiya denga rake
Nenzira yengoni dzake,
Wakazvidurura chose,
Wakafira isu vanhu.
Tsitsi dzake dzakanyanya
Dzakasvikawo kwandiri.

Mweya wangu wakasungwa
Nemajoti ezvitadzo,
Ziso renyu randiona
Randipenyera zvikuru.
Ndakabiswawo majoti,
Ndabva ndatevera imi.

Handitye zvino kutongwa,
Jesu nezvake ndowangu,
Maari ndava mupenyu,
Ndaruramiswa naIshe,
Ndoswedera kuna Mwari,
Ndipihwe chiremba naShe.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.