Methodist Shona Hymn 119

zvingagova sei kuti
Ndisunungurwe naIshe?
Ndiye wakafira ini
Ndakamukonzera kufa?
Chishamiso chakadini!
Mwari makafira ini!

Ndimashura! Mwari kufa?
Mazano anoshamisa!
Ngirozi dzokundikana
Kunzwisisa rudo rwake.
Tsitsi dzake! Ngatikudze,
Ngirozi dzoshamisika.

Wakasiya denga rake
Nenzira yengoni dzake;
wakazvidurura chose,
wakafira isu vanhu
Tsitsi dzake dzakanyanya
Dzakasvikawo kwandiri.

Mweya wangu wakasungwa
Namajoto ezvitadzo,
ziso renyu randiona
Randipenyera zvikuru
Ndakabiswawo majoto,
Ndabva ndatevera imi.

Handitye zvino kutongwa,
Jesu nezvake ndowangu,
Maari ndava mupenyu,
Ndaruramiswa naIshe,
Ndosedera kuna Mwari,
Ndipiwe chiremba naShe.

Hymn Details

One thought on “Hymn 119

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.