Methodist Shona Hymn 120

Muka, mweya wangu,
Rasa kutya kwako,
Diramhamba rako
Riri pana Mwari;
Muponisi wakanyora
zita rangu nero ropa.

Ariko kudenga
Kundireverera,
Norudo nengoni
Nero ropa rake.
Rakaparadzirwa tose
Ririko mberi kwaMwari.

Maronda aJesu
Apa muchinjikwa,
Anonyengetera,
Anondirevera;
Anochema: Regererai!
Kanganwirai uyu m’tadzi!

baba anomunzwa
Mwana mudikanwa,
Haadi kuramba
Mukumbiro wake;
Mweya wandiudza zvino
Kuti ndazvarwa naMwari.

Ndakaregererwa,
Ndakayananiswa,
Ndava mwana wake,
Handitye Kakare;
Ndinosedera, ndichiti:
Mwari baba! Mwari baba!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.