United Methodist Shona Hymn 77

Wonai Jesu Kristu pamuchinjiko wake
Fungai rufo rwake basa rakanaka

CHORUS:
Jesu wakakufira Jesu wakandifira
Ruponeso rukuru rwevanhu kwese kwese

Tsvakayi ruponeso nekuti rwakanaka
Musina Muponesi hamuchazoponeswi

Tendayi kuna Jesu saMuponesi wenyu
Hakuna rukariro musina Muponesi

Siyayi vese avo vanoda zvakaipa
Sarudzai vashamwari vanoda zvakanaka

M'ponesi ane simba nerudo kune vese
Wamumirira zvino, huyayi muteere

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.