Vanokomborerwa avo
Vane mweya weurombo
Zviro zvese zviri zvavo
Neumambo hwekudenga
Vanokomborerwa avo
Vanochema nezvitadzo,
Vachazonyaradzwa kwazvo
Nekuchizogara neni.
Vanokomborerwa avo
Vane mwoyo yakapfava,
Vachagara nhaka huru,
Vachaimba vakudenga.
Vanokomborerwa avo
Vane nzara yekunaka,
Mwari wati vachagutswa,
Vachafadzwa zvirokwazvo.
Vanokomborerwa avo
Vanoita nyasha huru,
Vachapiwa nyasha ivo,
Dzobva kuna Muponesi.
Vanokomborerwa avo
Vane mwoyo yakachena,
Vachawona Mwari wedu,
Vachapona vakudenga
Vanokomborerwa avo
Vanunuri, vanyaradzi,
Mwari wati, vari wangu,
Vachazonzi vana vangu.
Vanokomborerwa avo
Vanotambudzika kwazvo,
Pamusana pake Jesu,
Vane chipo vakudenga