Imi vana vashe
Mirai makashinga
Shandirayi Mambo wenyu
Ngepfungwa nesimba
Imi vana va'She,
Machinda amambo,
Mapiwa mabasa gurutu
Tongai nechisepe.
Imi vanakomana,
Mirai semagamba,
Munguva dzemadambudziko
Tinovimba nemi.
Muchinjiko wa'She
Ngatiusimudze.
Makristu, tiri vakundi
Tikamira na'She