Vabari vedu kare vakange vane nhamo
Rugaro rwatiinarwo vakanga vasinarwo
Mashoko akanaka aJesu Tenzi wedu,
Havana kunzwavoba vakafa mune dima.
Mukai vanhukadzi, Uyayi, muhwarare!
Munyasi make Mambo, mupiwe'zvo munoda.
Uyayi, vanhurume, womberai Mambo mutsva!
Anoda kumupanga mashoko ekudenga.
Mukayi, vanhu mese, rovayi matundundu!
Taribva dima guru, tawona ruponeso.
Mukayi, vana vedu, muimbe, Mambo anzwe!
Zviimbo zvekupona, nendwiyo dzekukudza.