United Methodist Shona Hymn 49

Totenda Baba
Nemwoyo yedu yose
Ngavakazvi'ta
Zvikatyamadzo zvose
Vakatinatsa
Mu'penyu hwose
Vanotifadza
Nenyasha dzose

Wedenga uyo
Agere nesu tose,
Achingotipa
Rugare misi yose;
Parwendo rwedu
Atifambise;
Pamadambudzo
Atichengete!

Tinorumbidza
Wedenga, Baba vedu!
Muzvare, uye
Muperekedzi wedu;
Mwari mumwe chete
Watinokudza;
Ushe ndohwake
Nokusingagumi!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.