Tizwe mbira dzekudenga
Mazwi neminanzi zvese
Zviri zana remazana
Zvinokudza Mwari wedu
Hunde, ndiye Mambo wevamambo
Hunde, Tenzi wevatenzi vese
Iye haasakasikwa
Haachazogumiba
Rukudziso kuna Mwari
Ngatimuremedze Baba
Ngatiimbe, Haleluya
Ndiye wakasika vanhu
Hunde, vadzimambo mukudzenyi
Hunde, pasi pese mugashirei
Vese, pasi nekudenga
Womberanyi Mwari zve
Haleluya, Haleluya!
Ngazvizike kure kure,
Zviro zvesezvakasikwa
Ngazvikudze Mwari wazvo
Hunde, neumambo ngahufanze,
Hunde, kune nzvimbo dzese dzese
Vanhu vese pasi pano
Ngavamuremedze zve
Pfuma dzedu tinodzipa
Kuna Mwari Baba wedu,
Uyo anowona zvese
Ndiye anotichengeta
Hunde, tinotenda Kristu Tenzi
Hunde, tinomubatira basa
Hunde, tinomusandira
Nekusingaperi zve