Tambirayi mweya wangu ndokupirai upenyu Lyrics – United Methodist Shona Hymn 164

Tambirayi mweya wangu ndokupirai upenyu
Tambirai misi yese ngaikurumbidze 'She
Mutambire mawoko aite basa renyu
Tambirai tsoka Ishe kuti dzikumhanyirei

Tambirai izwi rangu, riimbire She wangu
Mutambire miromo, iparidzire Mambo
Mari yangu tambirai, pasina chandasiya
Tambirai ndangariro, chiitai basa nayo

Tambirai kuda kwangu, kuti kusave kwangu
Zvino tambirai mwoyo, chive chigaro chenyu
Tambirai rudo rwangu, ndokupai pfuma dzangu
Munditambire Ishe, nguva isingaperi

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *