Nounyoro Jesu anokudana
Kudana imi neni
Onai anokumirira iwe
Nekutarisira
CHORUS:
Uyai uyai imi
Makatambudzwa uyai zvino
Nesimba nerudo Jesu wodana
Kudana imi huyai
Tichamirirei Ishe wodana?
Kudana imi huyai
Tichagarirei tisina nyasha?
Nyasha pamusoro pedu.
Nguva yotiza, musi wopfuura
Kubva kunemi neni
Mumvuri wouya nenhowo yorufu
Pamusoro pe'mi neni
Kugamuchira rudo rwakakomba
Takavimbiswa narwo
Kunyange takatadza, 'ne nyasha
Ruregerero rwedu.