Shamwari mugondeki ndiJesu wakanaka
Isingandiregeri ndichibva mune nzira
Kupukaira ndega ndichibva ndarasika kudai
Sekanyenye kari kega m'sango
NdiJesu anondida miswere yese yese,
Ndisawe mumurawu woiswa naSatani;
Usiku hwese iye andori kundirwira,
Nekundidisa kwake, anongondichengeta.
Nemweya wangu, kudza kutendwa kwake Ishe,
Uteketese mbiri yaJesu Muponesi;
Taura vanhu vese nerudo rwakanaka,
Nekuti anovada vese vanyangadzi.
Pachangu handinakwo kunakisisa kwake,
Ndinoda kucheneswa neropa rake chete;
Hakuna mumwe, kwete, obvisa zvinyangadzo,
Kutenda kwangu kwese kwasimbiswa naye.