Padyo nemi Tenzi padyo nemi
Kana dambudziko rive neni
Ndichiri kuimba padyo nemi Mwari
Padyo nemi Tenzi padyo nemi
Ndofanana m'fambi wadokerwa
Rima randibata ndiri munzira
Mukurota ini, ndiri padyo nemi
Padyo nemi Mwari, padyo nemi
Nzira yaonekwa yekudenga
Munditungamire, kuchengeta
Dzajeka Ngirozi padyo nemi Mwari
Padyo nemi Mwari, padyo nemi.
Ndizvo pakumuka ndinotenda
Kubva mudambudzo ndakukudza
Muurombo imi ndiri padyo Mwari
Padyo nemi Mwari, padyo nemi.
Zvepamwe naJesu ndingakwira
Pamberi pezuva kune denga
Pakuimba ndiri padyo nemi Mwari
Padyo nemi Mwari, padyo nemi.