United Methodist Shona Hymn 59

Nyeredzi, iwe wopfuura dzose
Tivhenekere murima redu
Wounza zuva chiedza chavose
Tiperekedze kumwana Jesu

Vamuradzika pakati pedanga,
Kwanga kusina ugaro nesu;
Zvino vatumwa vakabva kudenga,
Vakazokudza 'She wavo Jesu.

Isu tichandomukudzawo neiko?
Angafadzwa nepfuma yeiko?
Ko tingaunze zvinofadza vanhu,
Zvose zvangova zvinokoshesa!

Izvozvo zvose hazvina mubato,
Ha`ngafadzwi nezvipo zvakadai
Chinofadza pameso aJesu,
Ndokumukudza nomwoyo kudai.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.