Nyeredzi, iwe wopfuura dzose
Tivenekere murima re.....du!
Woubvazuva, chiedza chavose,
Tiperekedze kuMwana Jesu!
Vamuradzika pakati pedanga,
Kwanga kusina ugaro nesu;
Zvino vatumwa vakabva kudenga,
Vakazokudza SHE wavo Je.....su.
Isu tichandomukudzawo neiko?
Ungafadziwa nefuma yei.....zve?
Ko tingadusa zvinofadza vanhu,
Zvose nyanguva zvinokoshe..... sa!
Izvozvo zvose hazvino mubato,
Ha'ngafadziwi nezvipo zvakadai
Chinofadzisa pameso aJesu,
Ndokumukudza nomwoyo ku.....dai.