Nguva'yo yekunamata naiyo takomborerwa
Inotipa kukumbira kuna Baba wekudenga
Munguva dzekutambudzwa mwoyo yedu yanyaradzwa
Yapukunyuka kubatwa ne'yo nguva yekutenda
Nguva'yo yekunamata, ndinodisa kunyaradzwa,
Sepa gomo'ro rePisgah, ndoona musha kudenga;
Murumuko rwekusafa, chipo changu ndichapiwa
Ndichati apo ndakwira, ndapinda nekunamata.