Namatayi vanamati
Musanete imi kwete
Kwanga kune shirikadzi
Haisakaneta iyo
Nguva zhinji yakauya
Kukumbira'yo mutongi,
"Nditongere mhosva yangu,"
Nguva ndefu wakaramba.
Gare gare wakazoti,
"Kana ini ndisikatyi
Mwari kana umwe munhu,
Yandinetsa shirikadzi."
"Ndoitonga mhosva yayo,
Pararayi mhandu dzake,
Regerayi kumunetsa;
Fara zvako shirikadzi."
Jesu wakataura kuti
Mwari achavapindura
Avo vanomudaidza
Masikati neusiku.