Nemwana uyo tapiwa
Tinopa Mwari kutenda
Sangano redu nyamusi
Rinomukudza Jehovha
Tounza zvino kwamuri
Kamwana kedu kacheche,
Kapeyi runako rwenyu,
Takukumbirai Jehova.
Tinodawo kunyorowa
Kwemwana wese mucheche,
`Zvo imi muchikosherwa
Nekunyorowa kwakadai.