United Methodist Shona Hymn 182

Ndoimbira mununuri
Nerwo rudo rwakakomba
Wakarowerwa pamuti
Kuti vese vaponeswe

CHORUS
Ndinofara kumukudza
Uyo wakandinunura
Pam'chinjiko wakafira
Kuponesa vakasungwa

Ndoimbira Mununuri
Nedzo nyasha ndakawona
Zvino ndiri wake Jesu,
Uyo wakandinunudza.

Ndoimbira Mununuri
Nero simba rake guru,
Wakakunda kufa kwake,
Wakamutswa zvemukufa.

Ndoimbira Mununuri
Nerwo ruponeso rwake,
Ndakapiwa mwoyo mutsva,
Wekuita zvakanaka.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.