Ndakabarwa mune dima
Rekusaiziva Mwari
Ndikaita miitiro
Yakashata zvirokwazvo
Asi kwakauya mumwe
Nemasoko akanaka
Kuti Jesu wakafira
Kuponesa vanyangadzi
CHORUS
Zvino mwoyo unofara
Ndaponeswa misi yese
Nzira dzangu dzendoita
Dzinofadza Tenzi wangu
Ndinochema kutondera
Miitiro ndakaita,
Kukuvadza muviri wangu
Mune mweya weupenyu;
Asi ndakatenderuka,
Ndikabvuma zvinyangadzo,
Ndikasiya zvakaipa,
Ndikateerera Jesu.
Zvino ndine tsime yangu,
Ine mvura yeupenyu,
Inogutsa mweya wangu,
Inondipa simba guru;
Zviro zvese zvepanyika
Hazvichandikundi kwete,
Ndozvitsvaka zviro zvese
Zviri pfuma dzekudenga.