Ndofamba ndofamba ndosuva kudenga
Kunyika yaTenzi isina nenhamo
Fambayi vatendi, kunyika kureyo,
Inoda vasimbi kusvika'yo nyika.
Upfumi huriyo, hakuna murombo,
Hakuna neumwe, neumwe hakuna.
Madzinza ariyo, kunyika yaTenzi,
Havachazochemi, havana rusuvo.
Vatsvene variyo, vafara zvikuru,
Vawona'yo Nyenye, Mufiri wevese