Ndiri kufamba ndiri parwendo
Ndiri kutsvaka musha waMwari
Jesu wakati handikusiyi
Izwi raKristu harizotadzi
CHORUS
Ndiri kukwira ndiri kukwira
Kuenda kudenga kuenda kudenga
Halleluya ndiri kuimba
Ndiri kukwira kuenda kum'soro
Ndabva mudima rekusaiziva,
Zvino ndawona, Jesu ndewangu,
Ndiye rujeko, ari zvenzira,
Ndiri kukwira, kuenda kumsoro.
Asi rurimi harukwanisi
Kushumaira zviro zvemwoyo,
Ndiri kuimba pamangwanani,
Nepausiku, nemasikati.