United Methodist Shona Hymn 178

Mazita ari pasi mazita anokosha
Pam'soro pawo ese kune rimwe zita

CHORUS
Jesu ndiro zita zita rakanaka
Rinopinda ese Jesu ndiro zita

Ndinoda iro zita reuyo anoziva
Madambudziko angu, anondichengeta.

Ndinoda kunzwa zita raMuponesi wangu,
Nekuti anobvisa zvinyangadzo zvangu.

Panguva dzese pano ndinoda kuimbira
M'ponesi wangu Jesu, ndwiyo dzekukudza.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.