Mweya wakachena
Chenesayi mwoyo wangu
Dzingai zvitondero zvese
Zvinondishatisa
Mweya Wakachena,
Farisayi mwoyo wangu,
Nguva ndefu ndakatadza,
Handisakamuda.
Mweya weKupenya,
Vhenekerayi mwoyo wangu;
Dzingai dima rangu rese
Kuti ndimuzive.
Mweya M'tsvene wedi,
Ndiiteyi munhu wenyu,
Nditongeyi zvakanaka,
Muve Mambo wangu.