Mweya mutsvene muri Mwari
Ndinotambudzika
Mwoyo wangu unochema
Ndinomuda zvino
CHORUS:
Ndizadzeyi ndizadzeyi
Uyai Mweya zvino
Pindai mwoyo mangu
Mweya kuti ndisimbiswe
Ndine nungo zvirokwazvo
Ndinoshaya simba,
Asi mukandisimbisa,
Ndinokunda zvese.
Ndinoziva basa renyu
Kuti rakanaka,
Munotungamira vese
Vanomutevera.
Kuti ndichitungamirwa
Handichawi pasi,
Handichamusiyi, Baba,
Kana nzira dzenyu.
Nzira dzenyu dzakanaka,
Dzine ruveneko,
Dzine zano rekufamba,
Zvakanaka kwazvo.
Muri mubatsiri wangu,
Mutendeki kwaye,
Avo vanomutevera
Vanokomborerwa.