United Methodist Shona Hymn 171

Mwari wakadisa pasi
Wakaripa mwana wake
Kuti vese vanomuda
Vachazoponeswa naye

CHORUS:
Haleluya haleluya
Jesu ndiM'ponesi wedu
Anondiponesa diko
Ndinomugarira Jesu

Vanhu vese vari pasi,
Vatema nevachena,
Nemarudzi evachena,
Vane ropa rimwe chete

Jesu wakafira vese
Kuponesa ndudzi dzese,
Ndizvo tinofara zvino,
Mwari ndiye Baba wedu,

Ngatidane vanhu vese,
Ngatikudze Baba wedu,
Ngatiite vanhu kwavo,
Ndizvo tinokomborerwa.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.