M'ponesi Adzika Pasi
Akavawo munhu seni,
Akaona dambudziko
Riri panyika pano
Achirerwa naMai wake
Semwana wezera diki,
Akadzidza muitiro
Unofadza Jehova.
Muponesi akadzidza
Kunamata Baba wake,
Akaverenga chinyorwa,
Chido chaBaba wake.
M'ponesi agere nesu
Akaita zvishamiso,
Akafambidzana nesu
Sevashamwari vake.
Takadzidziswa naTenzi
Kushanda basa pamwechete,
Kuda vabanzi sehama,
Nekufadza Jehova.