United Methodist Shona Hymn 344

Apo tinofamba muizwi raBaba
Imbirai toona munzira
Kuti tinomuda nesu anogara
Vese vanomuteerera

CHORUS
Kuteerera
Ndiyo chete nzira
Kufara kuna Jesu
Asi kuteerera

Hakuna urombo, hunotitambudza,
Asi Jesu anohudzinga
Kana kupokana, misodzi nekutya,
Hazvigari nekusimbira

Hakuna mutoro, hakuna urombo,
Asi anotidzokesera
Hakuna kushaya, kana kutambudzwa,
Tinowana nekusimbira

Asi hatiwone, kufara kwerudo,
Dakara zvese tinomupa;
Nekuti anopa, kufara nerudo,
Kuna ivo vanosimbira.

Ndizvo pamwe tese, tinogara naye,
Kana kufamba naye m'nzira;
Isu tichaita, mazwi ake ese,
Kuterera nekusimbira.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.