Kurunzirwa misi yese kwakatinderedza
Mangwanani masikati nepanguva dzeusiku
Nepabasa misi yese neapo tozorora
Tozonatsa kuzviziva garegare
CHORUS:
Gare gare kuti tazofa
Tichazosangana pamwepo
Tichitaura nyaya semakundiro
Ayo takakunda ndiwo zvirunziro
Tine zvinhu muupenyu izvo tinoshaiwa
Ndezve kudya nezvekunwa zvatinoda
Tinovimba naJehova zvose tichazviwana
Tozonatsa kuzviziwa gare gare
Hatinzwisi kurunzirwa kwakatitenderedza
Asi Mwari achatipa simba guru
Tichamutevera kwese dakara nepakufa
Tozonatsa kuzviziwa gare gare
Kurunzirwa kwatinako kunotitenderedza
Mwoyo yedu inoshuwa kuzvikunda
Tinogara tichiita zvose tinokwanisa
Tozonatsa kuzviziwa gare gare