Kune nyika kudenga raTenzi
Nerutendo tichazoiwona
Kune musha kudenga raMwari
Nerutendo tichandokugara
CHORUS
Kwakanaka ikoko, kune musha waBaba kum'soro
Kwakanaka ikoko, kune musha waBaba kum'soro
Apo tinozofara neve'yo
Tichaimba zviimbo naivo,
Hatichazochemeri vanofa,
Asi tinofarisa zvikuru.
Tichazvipa zvitendo nembiri,
Kuna Baba naJesu kudenga,
Towonana nehama dziri'ko,
Uko kune upenyu narini.
Baba, tine urombo nyamusi
Neumweni wabviswa kunesu,
Nesu toda kuuya kunemi,
Kwakanaka kudenga kunemi