Kare vanhu venyu Baba
Vanga vakagwinya
Vakatambudzika ivo
Vakamuda kwazvo
CHORUS:
Mwari wangu ngandipiwe
Simba kunga avo
Vakaita basa renyu
Vasingatyi mhandu
Ndoda mwoyo wakanaka,
Wakashingisiswa,
Unomutswa nguva dzese
Kundoshumaira.
Ndoda kumudisa kwazvo
Kunopinda zvese,
Ndoda kumukarakadza
Kuti ndiri ndega.
Ndoda kunzwa kuti ndiri
Munhu wenyu ini,
Ndoda kunzwa izwi renyu
Mune mwoyo wangu