United Methodist Shona Hymn 331

Kare Mwari wakasika
Murume nemukadzi wake
Vese vanga vakanaka
Apo vakasikwa ndiye
Mwari anokohomedza
Kuti vanhu vatinhidzwe
Ngavasiye baba, mai
Vatorane nekudana

Iri jaha nemhandara
Vanouya kutinhidzwa,
Kuva murume nemukadzi,
Semutemo wenyu, Baba,
Ndizvo tinomukumbira,
Vaiteyi nyama imwe,
Ngavapiwe mwoyo umwe
Kuti vazobatsirana.

Vabatsirei mumba mavo
Muupenyu hwavo hutsva,
Venekerai mwoyo yavo
Nekuvatungamirira;
Ngavapiwe simba zvino
Vaifambe nzira yenyu,
Misi yese yeupenyu,
Mwari, Baba, Mubatsiri.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.