Kare kwakamira danga
Mumusha waDavidi
Umo mai vakaisa
Kamwana mune mombe
Maria ndiye mai
Jesu Kristu kamwana
Wakasiya mbiri yake,
Mwari wedu, naTenzi,
Wakabarwa pasi pano
Mudanga rezvipfuyo.
Wona; M'ponesi wedu
Wakagara muurombo
Pahuduku hwake hwese
Wakadisa Maria;
Misi yese wakamunzwa
Uyo wakamurera.
Imi vana yedzayi
Kufanana naye.
Wakapa muyenzaniso
Werugaro kunesu,
Waichema, waiseka
Wayiyita sesuwo
Anosangana nesu
Munhamo nekufara.
Pakuguma tichaona
Iye Mambo werudo;
Uyo Mwana wakatiwa
Ari Mwari mukuru.
Kuti tichitewera
Tichasvika Kudenga.