United Methodist Shona Hymn 64

Jesu wakadzika pasi kuwonesa Mwari
Wakateerera Baba, wakazvirereka

Kushandira vamwe kunotisimudza,
Hakudukupisi vanhu, kunotikudzisa.

Jesu wakapinda vese nekushanda kwake;
Wakapinda vanhu vese nehukuru hwake.

Jesu wakavashandira vaienda naye,
Kudzidzisa kuti isu tizoshandirane.

Ndizvo isu ngatiite saM'ponesi wedu,
Kuti tidise vamwe, nekuvabatsira.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.