United Methodist Shona Hymn 67

Jesu muri rudo diko
Makadzika pasi pano
Nekukungurira isu
Tanga tiri varasiki
Takadiwa zvirokwazvo
Muumambo hwenyu , Jesu
Zvino basa redu pano
Nderekuwonesa rudo

Mwari, mune mwoyo chena,
Munodisa vanhu vese,
Hamutsari vekudisa,
Asi munovada vese;
Zvino tinomukumbira,
Bvisai zvese zvakaipa,
Nharo, shungu, kuba, nhema
Kuti tifanane nemi.

Tinomukumbira, Baba,
Mweya Wakachena, dzikai,
Pindai mune mwoyo yedu.
Taizarurira imi;
Pindai, garai umo nhasi
Nekusingachazoperi,
Toda kuva vanhu venyu,
Kumufadza misi yese.

Makashanda basa, Jesu,
Mukapedza zvakanaka,
Ndizvo nesu tinorida
Kuriita basa renyu;
Nyika yedu ine rima,
Tigadzirireyi, Jesu,
Tichafamba naro izwi
Kune hama dzedu kwese.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.