United Methodist Shona Hymn 124

Jesu Kristu ndiM'ponesi
Wakatida isu tese
Wakaunza ruponeso
Kuti tese tiponeswe

CHORUS:
Ndiri pano ndiponesei
Handichadi zvakaipa
Ndoda kuva mwana wenyu
Misi yese yeupenyu

Jesu Kristu ndiMuponesi,
Ane rudo kuvatadzi,
Wonai, ari pam'chinjiko
Kutifira vanyangadzi.

Jesu Kristu ndiMuponesi,
Usagare neurombo,
Uya zvino, uponeswe
Kuti uve nerufaro.

Jesu Kristu ndiM'ponesi,
Usazotya, uya hako,
Kana wakatadza seyi
Uya zvako uponeswe.

Jesu Kristu ndiM;ponesi,
Kuti uchirasa zvese
Zvakaipa zvako nhasi
Unogara naye Jesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.