AFM Shona Hymn 134

1.JESU Kristu ndiM’ponesi,
Wakatida isu tese,
Wakaunza ruponeso
Kuti tese tiponeswe.

Korus:
Ndiri pano, ndiponesei,
Handichadi zvakaipa.
Ndoda kuva mwana wenyu
Misi yese youpenyu.

2. Jesu Kristu ndiM’ponesi,
Ane rudo kuvatadzi.
Ona ari pam’chinjiko
Kutifira vanyangadzi.

3. Jesu Kristu ndiM’ponesi,
Usagare neurombo,
Uya zvino, uponeswe
Kuti uve nerufaro.

4. Jesu Kristu ndiM’ponesi,
Usazotya, uya hako,
Kana wakatadza senyi,
Uya hako uponeswe.

5. Jesu Kristu ndiM’ponesi,
Kuti uchirasa zvese
Zvakaipa zvako nhasi,
Unogara naye Jesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.