Inzwa mweya wangu Muponesi wako
Ari kuti zvino unondida here
Zvinhu zvese pasi zvinotsakatika
Asi rudo rwangu haruzopinduki
"Kuti ukarasa rudo rwakadaro
Unoraswa neni, unochema kwazvo;
Une nguva zvino, ita munhu kwaye,
Kuti uchiramba une pfumvu huru."
"Hauzivi here kuti zvakanyorwa,
Kuti vanotenda vachatonga pasi;
Kuti wazopedza basa rako pano,
Uchatonga neni pachigaro changu."