Hakuna zita kunga Jesu
Kana nekudenga
Hakuna rimwe rakadaro
Zita raM'ponesi
CHORUS
Tinoda kuimbira Jesu
Tichimupa mbiri
Nekuti hatizivi zita
Rinokunda iri
NdiJesu wakafira tese,
Wakatida kwazvo,
Zvotanga takaraswa tese
Nezvitadzo zvedu.
NdiJesu wakaita nyasha,
Takamukanganwa,
Wakati, "Enda hako mwana,
Usazotadzezve."
NdiJesu wakatiudzira
Kutunhidza Mwari,
Nekusarudza vashamwari
Vakanaka chete.
NdiJesu anorapa vanhu
Anovasimbisa,
NdiJesu anomutsa vafi
Kune hama dzavo.
NdiJesu anoenda nesu
Kwese tinoenda,
NdiJesu anotibatsira
Muupenyu hwedu.