Femerai mandiri
Mweya weutsvene
Kuti ndide zvamunoda
Nekuita semi
Femerai mandiri
Ndichenesei mwoyo;
Ndide chinhu pamwe nemi
Chete kuda kwe-nyu
Femerai mandiri,
Ndiwe wenyu chese;
Kuti zveupenyu hwangu
Zvipenyeswe ne-mi
Femerai mandiri
Kuti ndisazofe
Asi ndizogara nemi
Nekusingaperi