Baba wedu tinofara
Kuva pano nyamusi
Mumba yenyu nzvimbo tsvene
Kumukudza Mambo wedu
Zviro zvese zvakanaka
Zvinopiwa kunesu
Kuti tese timudise
Nekufara zvikuru
Mangwanani neusiku
Tinomupa zvitendo
Ngezvekudya nezvekunwa
Nemachira akanaka
Misi yese tinotenda
Ngekudzidza zvizhinji
Neupandu hwakupera
Tese takomborerwa
Tinokoya ndimwi Jesu
Hamusakambotadza
Hamusakatitadzira
Nguva dzese munotendwa
Muri idi muri nzira
Munovakomborera
Vese avo vanomuda
Nekumuteerera
Ndizvo tinomukumbira
Kuti tisandurenyi
Tide zviro zvakanaka
Nekuvenga zvakaipa
Baba M'tsvene tinodisa
Mwoyo yakafanira
Rudo rwenyu rwakanaka
Urwo rwakatifira