AFM Shona Hymn 107

1. BABA wedu tinofara
Kuva pano nyamusi,
Mumba yenyu nzvimbo tsvene,
Kumukudza Mambo wedu:
Zviro zvese zvakanaka
Zvinopiwa kunesu,
Kuti tese timudise
Nekufara zvikuru.

2. Mangwanani neusiku
Tinomupa zvitendo
Nezvekudya nezvekunwa.
Nemachira akanaka:
Misi yese tinotenda
Ngekudzidza zvizhinji
Nekukana kwakapera.
Tese takomborerwa.

3. Tinokoya ndimwi, Jesu,
Hamusakambotadza.
Hamusakatitadzira,
Nguva dzese munotendwa
Muri idi, muri nzira,
Munovakomborera
Vese avo vanomuda
Nekumuteerera.

4. Ndizvo tinomukumbira
Kuti tisandurenyi
Tide zviro zvakanaka
Nekuvenga zvakaipa;
Baba M’tsvene, tinodisa
Rudo rwenyu rwakanaka,
Uwo rwakatifira.

5. Zvino pane nyika yedu
Yozonaka zvikuru,
Ruvheneko rwazosvika
Vanhu vose vapfumiswa
Runyararo rwakauya,
Zvino tava kugara
Ngerudano neukama,
Tina Baba umweyo.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.