Baba wedu makazvita
Makatipa M'ponesi
Murumbwana wenyu umwe
Kuti atipangidzire
Nzira yekudenga renyu
Kuti tichikarakadza
Nevabari vedu kare,
Vaitambudzika kwazvo,
Nekushaya nguva kudya,
Pfumvu, nhamo, nzara hayo.
Havasaiziva Jesu
Murumbwana wenyu Mwari,
Havasakamuwombera,
Vakagara mune dima,
Havasakawona mwenje.
Zvino isu tinotenda,
Tiri vana venyu, Baba,
Vanomuwombera kwese,
Uko tinofamba isu,
Tine muchengeti Jesu.