Baba ndinoshama kwazvo
Kuti ndidaidzwe ndimi
Ndakagara muzvitadzo
Ndikapera kusvipiswa
Asi hamusakaramwa
Makandida henyu Baba
Baba, kunakayi kwenyu,
Nhamburiko dzakaitwa,
Kunditsvaka pasi pano,
Ndakawonwa ndiri kufa,
Ndikaitwa anopona,
Tenzi, ndinomutevera.
Kuti mune basa renyu
Iro ndingagona kuita,
Ndingafadzwa kuriita,
Handizodi mubayiro,
Ndinodisa kushandira
Imi chete Tenzi wangu.
Ndinotsidza nhasi uno
Kumutsvaka misi yese,
Nekuteerera zvese
Izvo munotaurazvo,
Nekutsvaka varasiki,
Tese tizogara nemi.