Baba muri rudo, munotida tese
Muri mwakaruramisa kune vanhu vese
Munotipa zuva nerutonhorero
Neusiku hunouya kuti tizorore
Munotichengeta kuti takarara,
Muchinatsa kutimutsa mangwanani ese;
Nedzi pfuma dzedu tinopiwa nemi,
Hatingadziwani, kwete, tisapiwa nemi.
Makatuma Jesu, murumbwana wenyu,
Kuti atisunungure pakusungwa kwedu;
Baba mune rudo, muri kwese kwese,
Muri muchengeti wedu, munokotsa tese.