Apo toropito yake Mwari inorira kwazvo
Inotaura kune vese kuti uyai
Tese tinobvira kuenda iyo hakusari munhu
Nemazita edu achazodaidzwa
CHORUS
Kuti ndodaidzwa ndiye
Kuti ndodaidzwa ndiye
Kuti ndodaidzwa ndiye
Kuti ndodaidzwa ndiye ndovayo
Asi hatizivi musi uyo tichadanwa naiye,
Ndizvo ngatigadzirire zvino pano
Tirindire uyo musi, tizonatsa kuenda iko,
Nemazita edu achazodaidzwa.
Ngatibate basa redu nemasimba misi yese,
Ngatitaure zvishamiso zvake zvese,
Tichiita zvakanaka kune vanhu wese wese,
Nemazita edu achazodaidwza.
Asi isu veMakristu hatizotyi kuenda iko,
Mwari ndiye Baba wedu wakanaka,
Jesu Kristu ndishamwari ndiye anotonga wese,
Nemazita edu achazodaidzwa.